68 Imi makanaka, uye munoita zvakanaka; ndidzidzisei mitemo yenyu.
69 Kunyange vanozvikudza vakandipomera nhema, ndinochengeta zvamakatema nomwoyo wangu wose.
70 Mwoyo yavo yakasindimara uye hainzwisisi, asi ndinofarira murayiro wenyu.
71 Zvakanga zvakanaka kuti nditambudzike, kuitira kuti ndigodzidza mitemo yenyu.
72 Murayiro unobva pamuromo wenyu unokosha kwandiri, kupfuura zviuru zvezvimedu zvesirivha negoridhe.Yodhi
73 Maoko enyu akandiita nokundiumba; ndipei kunzwisisa kuti ndigodzidza mirayiro yenyu.
74 Avo vanokutyai ngavafare pavanondiona, nokuti ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.