74 Avo vanokutyai ngavafare pavanondiona, nokuti ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.
75 Haiwa Jehovha, ndinoziva kuti mirayiro yenyu yakarurama, uye kuti makanditambudza mukutendeka kwenyu.
76 Rudo rwenyu rusingaperi ngarutinyaradze, maererano nechivimbiso chenyu kumuranda wenyu.
77 Tsitsi dzenyu ngadziuye kwandiri kuti ndirarame, nokuti murayiro wenyu ndiwo mufaro wangu.
78 Vanozvikudza ngavanyadziswe pakundikanganisira ndisina mhaka, asi ini ndichafungisisa zvirevo zvenyu.
79 Vanokutyai ngavadzokere kwandiri, ivo vanonzwisisa zvamakatema.
80 Mwoyo wangu ngaushaye chaungapomerwa pamitemo yenyu, kuti ndirege kunyadziswa.Kafi