77 Tsitsi dzenyu ngadziuye kwandiri kuti ndirarame, nokuti murayiro wenyu ndiwo mufaro wangu.
78 Vanozvikudza ngavanyadziswe pakundikanganisira ndisina mhaka, asi ini ndichafungisisa zvirevo zvenyu.
79 Vanokutyai ngavadzokere kwandiri, ivo vanonzwisisa zvamakatema.
80 Mwoyo wangu ngaushaye chaungapomerwa pamitemo yenyu, kuti ndirege kunyadziswa.Kafi
81 Mweya wangu unoziva nokushuva ruponeso rwenyu, asi ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.
82 Meso angu aneta nokutsvaga chivimbiso chenyu; ndinoti, “Muchandinyaradza riniko?”
83 Kunyange ndakaita sehomwe yewaini ndiri muutsi, handikanganwi mitemo yenyu.