80 Mwoyo wangu ngaushaye chaungapomerwa pamitemo yenyu, kuti ndirege kunyadziswa.Kafi
81 Mweya wangu unoziva nokushuva ruponeso rwenyu, asi ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.
82 Meso angu aneta nokutsvaga chivimbiso chenyu; ndinoti, “Muchandinyaradza riniko?”
83 Kunyange ndakaita sehomwe yewaini ndiri muutsi, handikanganwi mitemo yenyu.
84 Muranda wenyu acharindira kusvikira riniko? Mucharanga vatambudzi vangu riniko?
85 Vanozvikudza vakandicherera makomba, zvinopesana nomurayiro wenyu.
86 Mirayiro yenyu yose yakavimbika, ndibatsirei, nokuti vanhu vanonditambudza ndisina mhaka.