82 Meso angu aneta nokutsvaga chivimbiso chenyu; ndinoti, “Muchandinyaradza riniko?”
83 Kunyange ndakaita sehomwe yewaini ndiri muutsi, handikanganwi mitemo yenyu.
84 Muranda wenyu acharindira kusvikira riniko? Mucharanga vatambudzi vangu riniko?
85 Vanozvikudza vakandicherera makomba, zvinopesana nomurayiro wenyu.
86 Mirayiro yenyu yose yakavimbika, ndibatsirei, nokuti vanhu vanonditambudza ndisina mhaka.
87 Vakanga voda kundibvisa panyika, asi handina kusiya zvamakatema.
88 Chengetedzai upenyu hwangu zvakafanira rudo rwenyu, uye ini ndichateerera zvirevo zvomuromo wenyu.Ramedhi