84 Muranda wenyu acharindira kusvikira riniko? Mucharanga vatambudzi vangu riniko?
85 Vanozvikudza vakandicherera makomba, zvinopesana nomurayiro wenyu.
86 Mirayiro yenyu yose yakavimbika, ndibatsirei, nokuti vanhu vanonditambudza ndisina mhaka.
87 Vakanga voda kundibvisa panyika, asi handina kusiya zvamakatema.
88 Chengetedzai upenyu hwangu zvakafanira rudo rwenyu, uye ini ndichateerera zvirevo zvomuromo wenyu.Ramedhi
89 Haiwa Jehovha, shoko renyu rinogara nokusingaperi; rinomira rakasimba kudenga denga.
90 Kutendeka kwenyu kunoramba kuripo kusvikira kumarudzi namarudzi; makasimbisa nyika uye inogara nokusingaperi.