94 Ndiponesei, nokuti ndiri wenyu; ndakatsvaka zvamakatema.
95 Vakaipa vakarindira kundiparadza, asi ini ndichafunga zvirevo zvenyu.
96 Ndinoona kuguma kwezvose zvakakwana, asi mirayiro yenyu haina magumo.Memu
97 Haiwa, ndinoda murayiro wenyu sei! Ndinoufungisisa zuva rose.
98 Mirayiro yenyu inoita kuti ndive akachenjera kupfuura vavengi vangu, nokuti inogara neni nguva dzose.
99 Ndinonzwisisa zvakawanda kupfuura vadzidzisi vangu, nokuti ndinofungisisa pamusoro pezvamakatema.
100 Ndinonzwisisa zvikuru kupfuura vakuru, nokuti ndinoteerera zvirevo zvenyu.