97 Haiwa, ndinoda murayiro wenyu sei! Ndinoufungisisa zuva rose.
98 Mirayiro yenyu inoita kuti ndive akachenjera kupfuura vavengi vangu, nokuti inogara neni nguva dzose.
99 Ndinonzwisisa zvakawanda kupfuura vadzidzisi vangu, nokuti ndinofungisisa pamusoro pezvamakatema.
100 Ndinonzwisisa zvikuru kupfuura vakuru, nokuti ndinoteerera zvirevo zvenyu.
101 Ndakadzora tsoka dzangu panzira dzose dzakaipa kuti nditeerere shoko renyu.
102 Handina kubva pamirayiro yenyu, nokuti imi pachenyu makandidzidzisa.
103 Mashoko enyu anotapira seiko pakuaravira, anotapira kukunda uchi mumukanwa mangu!