1 Dai Jehovha akanga asiri kurutivi rwedu, Israeri ngavati,
2 dai Jehovha akanga asiri kurutivi rwedu patakarwiswa navanhu,
3 apo kutsamwa kwavo kwakatimukira, vangadai vakatimedza tiri vapenyu;
4 mafashamu angadai akatifukidza, mvura zhinji ingadai yakatikukura,