1 Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha, vanofamba munzira dzake.
2 Uchadya chibereko chokushanda kwako; maropafadzo nokubudirira zvichava zvako.
3 Mukadzi wako achava somuzambiringa unobereka, pakati peimba yako; vanakomana vako vachaita samabukira omuorivhi, vakakomberedza tafura yako.
4 Ndizvo zvakaita munhu akaropafadzwa, anotya Jehovha.