12 kana vanakomana vako vakachengeta sungano yangu nezvandakatema zvandakavadzidzisa, ipapo vanakomana vavo vachagara pachigaro chako choushe nokusingaperi-peri.”
13 Nokuti Jehovha akasarudza Zioni, akarida kuti huve ugaro hwake achiti,
14 “Iyi ndiyo nzvimbo yangu yokuzorora nokusingaperi-peri; ipapa ndipo pandichagara samambo, nokuti ndakapada,
15 ndichariropafadza nezvakawanda; ndichagutsa varombo varo nezvokudya.
16 Ndichafukidza vaprista varo noruponeso, uye vatsvene varo vachagara vachiimba nomufaro.
17 “Pano ndipo pandichameresa nyanga yaDhavhidhi, uye ndichatungidza mwenje womuzodziwa wangu.
18 Ndichafukidza vavengi vake nenyadzi, asi korona yake ichabwinya kwazvo.”