3 “Handingapindi mumba mangu kana kuenda kundovata pamubhedha wangu,
4 handingatenderi hope mumaziso angu, kana kutsumwaira mumeso angu,
5 kusvikira ndawana nzvimbo yaJehovha, nzvimbo yokugara yoWamasimba waJakobho.”
6 Takazvinzwa muEfurata, takasangana nazvo muminda yeJaari tikati,
7 “Ngatiendei kunzvimbo yake yokugara; ngatinamatei pachitsiko chetsoka dzake,
8 haiwa Jehovha, simukai muuye kunzvimbo yenyu yokuzorora, imi neareka yesimba renyu.
9 Vaprista venyu dai vafukidzwa nokururama; dai vatsvene venyu vaimba nomufaro.”