12 kunyange rima haringavi rima kwamuri; usiku huchapenya samasikati, nokuti rima rakaita samasikati kwamuri.
13 Nokuti imi makasika zvomukati-kati mangu; makandiruka ndiri mudumbu ramai vangu.
14 Ndinokurumbidzai nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa uye unoshamisa; mabasa enyu anoshamisa, ndinonyatsozviziva kwazvo.
15 Mapfupa angu akanga asina kuvanzika kwamuri, pandakanga ndaiswa munzvimbo yakavanda. Pandakarukwa ndiri pakadzika penyika,
16 meso enyu akaona muviri usati waumbwa. Mazuva ose andakarongerwa akanga akanyorwa mubhuku renyu, rimwe rawo risati ravapo.
17 Mirangariro yenyu inokosha sei kwandiri, imi Mwari! Yakakura sei pakuverengwa kwayo!
18 Dai ndaiverenga, ingadai yaikunda tsanga dzejecha pakuwanda. Pandinopepuka, ndinenge ndinemi.