1 Ndinodanidzira nenzwi guru kuna Jehovha; ndinosimudzira inzwi rangu kuna Jehovha, kuti andinzwire nyasha.
2 Ndinodurura kugunun'una kwangu pamberi pake; ndinotaura nhamo dzangu pamberi pake.
3 Mweya wangu paunoziya mandiri, imi ndimi munoziva nzira yangu. Munzira mandinofamba, vanhu vakandivanzira misungo.
4 Tarirai kurudyi rwangu mugoona; hakuna ane hanya nemi. Handina utiziro; hakuna ane hanya noupenyu hwangu.
5 Ndinochema kwamuri, imi Jehovha; ndinoti, “Ndimi utiziro hwangu, nomugove wangu munyika yavapenyu.”