1 Jehovha Dombo rangu ngaarumbidzwe, iye anodzidzisa maoko angu kurwa.
2 Ndiye Mwari anondida uye nhare yangu, shongwe yangu nomudzikinuri wangu, nenhoo yangu uye ndinovanda maari, iye anoisa marudzi pasi pangu.
3 Haiwa Jehovha, munhu chiiko zvamune hanya naye? Kana mwanakomana womunhu zvamunomufunga?
4 Munhu akafanana nomweya; mazuva ake akaita somumvuri unopfuura.
5 Zarurai matenga enyu, imi Jehovha, uye muburuke; batai makomo, kuti apfungaire utsi.
6 Tumirai mheni mugoparadzira vavengi; pfurai miseve yenyu mugovapedza.
7 Tambanudzai ruoko rwenyu kubva kumusoro; ndirwirei uye mundinunure kubva pamvura zhinji ine simba, kubva mumaoko avatorwa