4 Munhu akafanana nomweya; mazuva ake akaita somumvuri unopfuura.
5 Zarurai matenga enyu, imi Jehovha, uye muburuke; batai makomo, kuti apfungaire utsi.
6 Tumirai mheni mugoparadzira vavengi; pfurai miseve yenyu mugovapedza.
7 Tambanudzai ruoko rwenyu kubva kumusoro; ndirwirei uye mundinunure kubva pamvura zhinji ine simba, kubva mumaoko avatorwa
8 vane miromo izere nenhema, maoko avo orudyi anonyengera.
9 Haiwa Mwari, ndichakuimbirai rwiyo rutsva; ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza nomutengeranwa une hungiso gumi,
10 iye anopa kukunda kumadzimambo, anorwira muranda wake Dhavhidhi kubva pamunondo unouraya.