10 Mufaro wake hausi musimba rebhiza, uye mufaro wake hausi pamakumbo omunhu;
11 Jehovha anofadzwa naavo vanomutya, vanoisa tariro yavo parudo rwake rusingaperi.
12 Kudza Jehovha, iwe Jerusarema; rumbidza Mwari wako, iwe Zioni,
13 nokuti anosimbisa mazariro amasuo ako, uye anoropafadza vanhu vako vari mauri.
14 Anopa rugare pamiganhu yako, uye anokugutsa nezviyo zvakaisvonaka.
15 Anotuma murayiro wake kunyika; shoko rake rinomhanya kwazvo.
16 Anowarira chando samakushe, uye anoparadzira chando samadota.