5 Ngazvirumbidze zita raJehovha, nokuti akarayira, izvo zvikasikwa.
6 Akazviisa panzvimbo yazvo nokusingaperi-peri, akapa chirevo chisingazombopfuuri.
7 Rumbidzai Jehovha imi nyika, imi zvisikwa zvikuru zvegungwa nokwakadzika kwenyanza,
8 nemi mheni nechimvuramabwe, chando namakore, dutu remhepo rinoita zvaakareva,
9 imi makomo nemi zvikomo zvose, miti inobereka nemisidhari yose,
10 mhuka dzesango nemombe dzose, zvisikwa zvidiki neshiri dzinobhururuka,
11 Madzimambo enyika nendudzi dzose, imi machinda nemi vatongi vose panyika,