1 Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko? Sei muri kure zvakadai nokundiponesa, kure zvakadai namashoko okugomera kwangu?
2 Haiwa Mwari wangu, ndinodanidzira masikati, asi hamundipinduri, nousiku, uye handinyarari.
3 Asi imi makagadzwa saIye Mutsvene; ndimi rumbidzo yaIsraeri.
4 Madzibaba edu akavimba nemi; vakavimba, uye mukavarwira.
5 Vakachema kwamuri, vakaponeswa; vakavimba nemi uye havana kunyadziswa.
6 Asi ini ndiri honye kwete munhu, ndinozvidzwa navanhu uye ndinoshorwa namarudzi.