12 Hando zhinji dzakandikomba; hando dzine simba dzeBhashani dzakandipoteredza.
13 Shumba dzinoomba dzichibvambura nyama, dzinondishamira miromo yadzo.
14 Ndadururwa semvura, uye mapfupa angu ose abva asvodogoka. Mwoyo wangu washanduka ukava namo; wanyungudika mukati mangu.
15 Simba rangu raoma sechaenga, uye rurimi rwangu runonamatira kumusoro kwomuromo wangu; munondiradzika muguruva rorufu.
16 Imbwa dzakandikomba; boka ravanhu vakaipa rakandipoteredza, vakabvoora maoko angu netsoka dzangu.
17 Ndinokwanisa kuverenga mapfupa angu ose; vanhu vanondinananidza uye vanofarira kutambudzika kwangu.
18 Vanogovana nguo dzangu pakati pavo vanokanda mijenya panguo yangu.