18 Vanogovana nguo dzangu pakati pavo vanokanda mijenya panguo yangu.
19 Asi imi, Jehovha, regai kuva kure neni; imi simba rangu, kurumidzai kundibatsira.
20 Rwirai upenyu hwangu pamunondo, ihwo upenyu hwangu hunokosha, kubva pasimba rembwa.
21 Ndinunurei pamuromo weshumba; ndiponesei panyanga dzenyati.
22 Ndichaparidza zita renyu kuhama dzangu; ndichakurumbidzai paungano.
23 Imi munotya Jehovha, murumbidzei! Imi mose zvizvarwa zvaJakobho, mukudzei! Mutyei, imi mose zvizvarwa zvaIsraeri!
24 Nokuti haana kuzvidza kana kusema chibayiro chaiye akatambudzwa; haana kumuvanzira chiso chake, asi akanzwa kuchemera kwake rubatsiro.