2 Haiwa Mwari wangu, ndinodanidzira masikati, asi hamundipinduri, nousiku, uye handinyarari.
3 Asi imi makagadzwa saIye Mutsvene; ndimi rumbidzo yaIsraeri.
4 Madzibaba edu akavimba nemi; vakavimba, uye mukavarwira.
5 Vakachema kwamuri, vakaponeswa; vakavimba nemi uye havana kunyadziswa.
6 Asi ini ndiri honye kwete munhu, ndinozvidzwa navanhu uye ndinoshorwa namarudzi.
7 Vose vanondiona vanondiseka; vanoshamisa miromo yavo vachindituka, vachidzungudza misoro yavo vachiti,
8 “Anovimba naJehovha; Jehovha ngaamununure. Ngaamuponese, sezvo achimufarira.”