1 Jehovha, ndinosimudzira mwoyo wangu kwamuri;
2 haiwa Mwari wangu, ndinovimba nemi. Musandirega ndichinyadziswa, uye musarega vavengi vangu vachindikunda.
3 Hapana munhu ane tariro mamuri achanyadziswa, asi vachanyadziswa avo vanonyengera pasina chikonzero.
4 Ndiratidzei nzira dzenyu, imi Jehovha, ndidzidzisei nzira dzenyu;
5 nditungamirirei muzvokwadi yenyu mugondidzidzisa, nokuti ndimi Mwari Muponesi wangu, uye tariro yangu iri pamuri zuva rose.
6 Rangarirai, imi Jehovha, ngoni dzenyu huru norudo, nokuti zvakabvira kare.