1 Nditongerei, imi Jehovha, nokuti ndakararama upenyu husina chahungapomerwa; ndakavimba naJehovha ndisingazungunuki.
2 Ndiedzei, imi Jehovha, ndinzverei, nzverai mwoyo wangu nendangariro dzangu;
3 nokuti rudo rwenyu rwuri pamberi pangu nguva dzose, uye ndinogara ndichifamba muzvokwadi yenyu.
4 Handigari navanhu vanonyengera, kana kufambidzana navanyengeri;
5 ndinovenga ungano yavaiti vezvakaipa, uye ndinoramba kugara navakaipa.
6 Ndinoshamba maoko angu ndisina mhaka, uye ndinofamba-famba paaritari yenyu, imi Jehovha,
7 ndichiparidza rumbidzo yenyu nenzwi guru, nokureva zvamabasa enyu ose anoshamisa.