4 Handigari navanhu vanonyengera, kana kufambidzana navanyengeri;
5 ndinovenga ungano yavaiti vezvakaipa, uye ndinoramba kugara navakaipa.
6 Ndinoshamba maoko angu ndisina mhaka, uye ndinofamba-famba paaritari yenyu, imi Jehovha,
7 ndichiparidza rumbidzo yenyu nenzwi guru, nokureva zvamabasa enyu ose anoshamisa.
8 Ndinoda imba yamunogara, imi Jehovha, nzvimbo inogara kubwinya kwenyu.
9 Regai kubatanidza mweya wangu navatadzi, noupenyu hwangu navanoteura ropa,
10 vana maoko akabata zvakaipa, vazere nefufuro mumaoko avo orudyi.