8 Ndinoda imba yamunogara, imi Jehovha, nzvimbo inogara kubwinya kwenyu.
9 Regai kubatanidza mweya wangu navatadzi, noupenyu hwangu navanoteura ropa,
10 vana maoko akabata zvakaipa, vazere nefufuro mumaoko avo orudyi.
11 Asi ini ndinogara upenyu husina chahungapomerwa; ndidzikinurei uye mundinzwire ngoni.
12 Tsoka dzangu dzimire pakati chechetere; ndicharumbidza Jehovha paungano huru.