1 Ndinovanda mamuri, imi Jehovha; itai kuti ndisatombonyadziswa; ndirwirei mukururama kwenyu.
2 Rerekerai nzeve yenyu kwandiri, kurumidzai kundinunura; ivai dombo rangu rokuvanda, nhare yakasimba inondiponesa.
3 Sezvo murimi dombo rangu nenhare yangu, nditungamirirei uye mundisesedze nokuda kwezita renyu.
4 Ndisunungurei pamusungo wandakadzikirwa, nokuti imi muri utiziro hwangu.
5 Ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu; ndidzikinurei, imi Jehovha, Mwari wechokwadi.
6 Ndinovenga vanonamatira kuzvifananidzo zvisina maturo; ndinovimba naJehovha.
7 Ndichafara nokufarisisa murudo rwenyu, nokuti makaona kutambudzika kwangu mukaziva kurwadziwa kwomwoyo wangu.