15 Asi minondo yavo ichabaya mwoyo yavo pachavo, uye uta hwavo huchavhunika.
16 Zvishoma zvowakarurama zviri nani kupinda pfuma yavakaipa vazhinji;
17 nokuti simba ravakaipa richavhuniwa, asi Jehovha anotsigira vakarurama.
18 Mazuva avakarurama anozivikanwa naJehovha, uye nhaka yavo ichagara nokusingaperi.
19 Panguva yenjodzi, havanganyadziswi; mumazuva enzara ivo vachava nezvakawanda.
20 Asi vakaipa vachaparara: vavengi vaJehovha vachafanana norunako rweminda, vachanyangarika soutsi.
21 Vakaipa vanokwereta uye havadzori, asi vakarurama vanopa zvakawanda;