18 Mazuva avakarurama anozivikanwa naJehovha, uye nhaka yavo ichagara nokusingaperi.
19 Panguva yenjodzi, havanganyadziswi; mumazuva enzara ivo vachava nezvakawanda.
20 Asi vakaipa vachaparara: vavengi vaJehovha vachafanana norunako rweminda, vachanyangarika soutsi.
21 Vakaipa vanokwereta uye havadzori, asi vakarurama vanopa zvakawanda;
22 avo vanoropafadzwa naJehovha vachagara nhaka yenyika, asi avo vanotuka vachaparadzwa.
23 Kana Jehovha achifarira nzira yomunhu, anosimbisa mafambiro ake;
24 kunyange akagumburwa, haangawi, nokuti Jehovha anomutsigira noruoko rwake.