20 Asi vakaipa vachaparara: vavengi vaJehovha vachafanana norunako rweminda, vachanyangarika soutsi.
21 Vakaipa vanokwereta uye havadzori, asi vakarurama vanopa zvakawanda;
22 avo vanoropafadzwa naJehovha vachagara nhaka yenyika, asi avo vanotuka vachaparadzwa.
23 Kana Jehovha achifarira nzira yomunhu, anosimbisa mafambiro ake;
24 kunyange akagumburwa, haangawi, nokuti Jehovha anomutsigira noruoko rwake.
25 Ndakanga ndiri muduku uye zvino ndakwegura, asi handina kumboona vakarurama vachisiyiwa, kana vana vavo vachipemha chingwa.
26 Vanogara vachingopa vamwe, uye vachikweretesa pasina muripo; vana vavo vacharopafadzwa.