5 Makaita mazuva angu soupamhi hwechanza changu; kuwanda kwamakore angu kwakaita sechinhu chisipo pamberi penyu. Upenyu hwomunhu mumwe nomumwe mweya bedzi.
6 Munhu anongori mumvuri zvaanofamba-famba hake: anofamba nomufaro mukuru, asi zvinongova pasina; anounganidza pfuma, asingazivi achazoitora.
7 “Asi zvino, Ishe, ndakamirireiko? Tariro yangu iri mamuri.
8 Ndiponesei pakudarika kwangu kwose; regai kundiita chiseko chamapenzi.
9 Ndakanga ndinyerere; handina kushamisa muromo wangu, nokuti ndimi makaita izvi.
10 Bvisai shamhu yenyu kwandiri; ndakundwa nokurova kworuoko rwenyu.
11 Munorayira uye munoranga vanhu nokuda kwezvivi zvavo, munoparadza pfuma yavo sechipfukuto, munhu mumwe nomumwe mweya zvawo. Sera