2 Naizvozvo hatizotyi, kunyange nyika ikashanduka, uye makomo akawira mukatikati megungwa,
3 kunyange mvura yaro ikatinhira uye ikapupuma furo, uye makomo akadengenyeswa namafungu aro. Sera
4 Pane rwizi ruripo rune hova dzinofadza guta raMwari, nzvimbo tsvene yoWokumusoro-soro.
5 Mwari ari mukati maro, haringawiri pasi; Mwari acharibatsira panguva yemambakwedza.
6 Ndudzi dzinoita bope, umambo hunoondomoka; anotaura nenzwi guru, nyika yonyongodeka.
7 Jehovha Wamasimba Ose anesu; Mwari waJakobho ndiye nhare yedu. Sera
8 Uyai muone mabasa aJehovha, kuparadza kwaakaita panyika.