1 Inzwai izvi, imi vanhu mose; teererai imi mose mugere panyika,
2 vapasi navapamusoro, vapfumi navarombo pamwe chete.
3 Muromo wangu uchataura nouchenjeri; kutaura kunobva pamwoyo wangu kuchapa kunzwisisa.
4 Ndicharerekera nzeve yangu kuchirevo; nembira ndichadudzira shoko rangu rakavanzika.
5 Ndinotyireiko kana mazuva akaipa achiuya, kana vanyengeri vakaipa vandikomberedza,