1 Iye Wamasimba, Mwari, Jehovha, anotaura uye anodana nyika kubva pakubuda kwezuva kusvikira kwarinovirira.
2 Kubva kuZioni, rakakwana parunako, Mwari anopenya.
3 Mwari wedu anouya uye haanganyarari; moto unoparadza pamberi pake, uye dutu rine hasha rakamupoteredza.
4 Anodana matenga kumusoro, uye nenyika, kuti atonge vanhu vake achiti: