4 Anodana matenga kumusoro, uye nenyika, kuti atonge vanhu vake achiti:
5 “Ndiunganidzirei vatsvene vangu, vakaita sungano neni nechibayiro.”
6 Uye matenga anoparidza kururama kwake, nokuti Mwari amene ndiye mutongi. Sera
7 “Inzwai, imi vanhu vangu, uye ndichataura, imi Israeri, uye ndichapupura pamusoro penyu: Ndini Mwari, Mwari wenyu.
8 Handikutukei nokuda kwezvibayiro zvenyu, kana zvipiriso zvenyu zvinopiswa, zvinogara zviri pamberi pangu.
9 Handisi kuda hando inobva mudanga rako, kana mbudzi inobva muzvirugu zvako,
10 nokuti mhuka dzose dzesango ndedzangu, nemombe pamakomo chiuru.