2 Vavengi vangu vanondidzinganisa zuva rose; vazhinji vanorwa neni mukuzvikudza kwavo.
3 Pandinenge ndotya, ndichavimba nemi.
4 Muna Mwari, iye ane shoko randinorumbidza, muna Mwari ndinovimba; handichazotyi. Ko, munhu anofa angandiitei?
5 Zuva rose vanomonyorora mashoko angu; vanogara vachirangana kundikuvadza.
6 Vanorangana, vanovandira, vanocherechedza mafambiro angu, vachishuva kundiuraya.
7 Ngavasapukunyuka savasina mhaka; koromorerai ndudzi pasi mukutsamwa kwenyu imi Mwari.
8 Nyorai kuchema kwangu; isai misodzi yangu parugwaro rwenyu, ko, hazvina kuiswa muzvinyorwa zvenyu here?