3 Kunyange kubvira pakuberekwa, vakaipa vanofamba mukutsauka; kubva mudumbu ramai, vakaipa uye vanoreva nhema.
4 Uturu hwavo hwakaita souturu hwenyoka, vakafanana nemhakure yadzivira nzeve dzayo,
5 isingateereri maimbiro en'anga kunyange zvazvo achiimba nouchenjeri hukuru.
6 Vhunai mazino mumiromo yavo, imi Mwari; bvisai, imi Jehovha, mazino marefu eshumba!
7 Ngavatsakatike semvura yapera kuerera; pavanowembura uta, miseve yavo ngaigomare.
8 Vafanane nehozhwa inonyakatika painofamba, kufanana negambemwedzi, ngavarege kuona zuva.
9 Hari dzenyu dzisati dzanzwa kupisa kweminzwa pamoto, ingava minyoro kana yakaoma, vakaipa vachakukurwa.