7 Nokuti muri mubatsiri wangu, ndinoimba ndiri mumumvuri wamapapiro enyu.
8 Mweya wangu unonamatira kwamuri; ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira.
9 Vanotsvaka upenyu hwangu vachaparadzwa; vachaburukira kwakadzika kwepasi.
10 Vachaiswa kumunondo vagova zvokudya zvamakava.
11 Asi mambo achafara muna Mwari; vose vanopika nezita raMwari vachamurumbidza, asi miromo yavanoreva nhema ichafumbirwa.