2 Ndivanzei pakurangana kwavakaipa, ndibve pazhowezhowe yeungano yavaiti vezvakaipa.
3 Vanorodza ndimi dzavo seminondo, uye vanonanga namashoko avo semiseve inouraya.
4 Vanopfura vari pakavanda munhu asina mhosva; vanomupfura pakarepo, vasingatyi.
5 Vanokurudzira mumwe nomumwe wavo pakufunga zvakaipa, vanotaura pamusoro pokuteya misungo yavo, uye vanoti, “Ndianiko achaiona?”
6 Vanorangana kusaruramisira vachiti, “Tafunga zano rakakwana!” Zvirokwazvo mwoyo nomurangariro womunhu zvinonyengera.
7 Asi Mwari achavapfura nemiseve; pakarepo vachawira pasi.
8 Achaita kuti ndimi dzavo dzivashandukire, uye achavaisa pakuparadzwa; vose vanovaona vachavadzungudzira misoro vachivaseka.