13 Ndichauya nezvibayiro zvinopiswa kutemberi yenyu, ndigozadzisa mhiko dzangu kwamuri,
14 mhiko dzandakavimbisa nemiromo yangu, uye muromo wangu wakataura pandakanga ndiri munhamo.
15 Ndichakubayirai mhuka dzakakora nechipiriso chamakondohwe; ndichabayirawo hando nembudzi. Sera
16 Uyai munzwe, imi mose munotya Mwari; regai ndikuudzei zvaakandiitira.
17 Ndakachema kwaari nomuromo wangu; rumbidzo yake yaiva parurimi rwangu.
18 Dai ndakanga ndaviga chivi mumwoyo mangu, Ishe aidai asina kundinzwa;
19 asi zvirokwazvo Mwari akateerera akanzwa inzwi rangu mumunyengetero.