5 Uyai muone zvaitwa naMwari, mabasa ake anotyisa sei pakati pavanhu!
6 Akashandura gungwa rikava nyika yakaoma, vakafamba nomumvura zhinji netsoka dzavo, uyai, ngatifarei maari.
7 Anotonga nokusingaperi nesimba rake, meso ake anocherechedza ndudzi, vanomumukira ngavarege kumisidzana naye. Sera
8 Rumbidzai Mwari wedu, imi vanhu, inzwi rokurumbidzwa kwake ngarinzwike;
9 iye akachengetedza upenyu hwedu netsoka dzedu kuti dzirege kutedzemuka.
10 Nokuti imi, iyemi Mwari, makatiedza; mukatinatsa sesirivha.
11 Makatipinza mutorongo mukatitakudza mitoro pamisana yedu.