23 Meso avo ngaapofumadzwe kuti varege kuona, uye misana yavo iminame nokusingaperi.
24 Dururirai hasha dzenyu pamusoro pavo; kutsamwa kwenyu kunotyisa ngakuvakurire.
25 Nzvimbo yavo ngaisiyiwe; ngaparege kuva nomunhu anogara mumatende avo.
26 Nokuti vanotambudza vaya vamakarova, uye vanotaura pamusoro pokurwadziwa kwavakakuvadzwa nemi.
27 Vapei mhosva pamusoro pemhosva; ngavarege kuva nomugove woruponeso rwenyu.
28 Ngavadzimwe mubhuku roupenyu, uye varege kuverengwa pamwe chete navakarurama.
29 Ndiri pakurwadziwa nenhamo; ruponeso rwenyu imi Mwari, ngarundidzivirire.