8 Achatonga kubva kugungwa kusvikira kugungwa, uye kubva paRwizi kusvikira kumagumo enyika.
9 Marudzi omugwenga achapfugama pamberi pake, uye vavengi vake vachananzva guruva.
10 Madzimambo eTashishi navari kumahombekombe ari kure vachamuvigira mutero; madzimambo eShebha neSebha vachamupa zvipo.
11 Madzimambo ose achamupfugamira uye ndudzi dzose dzichamushandira.
12 Nokuti acharwira vanoshayiwa vanodanidzira; vanonetswa vasina anovabatsira.
13 Achanzwira ngoni vasina simba navanoshayiwa, uye achaponesa vanoshayiwa kubva parufu.
14 Achavanunura pakudzvinyirirwa nokuitirwa chisimba, nokuti ropa ravo rinokosha pamberi pake.