10 Naizvozvo vanhu vavo vanodzokera kwavari, uye vanonwa mvura yakawanda.
11 Vanoti, “Mwari angazviziva sei? Ko, Wokumusoro-soro ane ruzivo here?”
12 Ndizvo zvakaita vakaipa, havana hanya nguva dzose, vanowedzera pfuma yavo.
13 Zvirokwazvo ndakanatsa mwoyo wangu, asi pasina; ndakashamba maoko angu ndisina mhosva, asi pasina.
14 Zuva rose ndanga ndichitambudzwa; ndinorangwa mangwanani ose.
15 Dai ndakanga ndati, “Ndichataura zvakadai,” ndingadai ndakapandukira vana venyu.
16 Pandakaedza kunzwisisa izvi zvose, zvakandiremera kwazvo