18 Zvirokwazvo makavaisa munzira inotsvedza; makavakanda pasi kuti vaparare.
19 Haiwa, vanoparadzwa kamwe kamwe, vanopedzwa chose nezvinotyisa!
20 Sezvakaita kurota panopepuka munhu, saizvozvo pamunomuka, imi Ishe, muchavashora savanhu vanorotomoka.
21 Mwoyo wangu pawakachema uye mweya wangu ukashungurudzika,
22 ndakanga ndava benzi uye ndisingazivi; ndakanga ndava mhuka inotyisa pamberi penyu.
23 Kunyange zvakadaro ndinogara nemi nguva dzose; munondibata noruoko rwenyu rworudyi.
24 Munondisesedza nezano renyu, uye pashure muchazonditora mondipinza mukubwinya kwenyu.