8 Vanoseka, uye vanotaura noutsinye mukuzvikudza kwavo, vanoti vachadzvinyirira vamwe.
9 Miromo yavo inoti denga nderavo, uye ndimi dzavo dzinotora nyika.
10 Naizvozvo vanhu vavo vanodzokera kwavari, uye vanonwa mvura yakawanda.
11 Vanoti, “Mwari angazviziva sei? Ko, Wokumusoro-soro ane ruzivo here?”
12 Ndizvo zvakaita vakaipa, havana hanya nguva dzose, vanowedzera pfuma yavo.
13 Zvirokwazvo ndakanatsa mwoyo wangu, asi pasina; ndakashamba maoko angu ndisina mhosva, asi pasina.
14 Zuva rose ndanga ndichitambudzwa; ndinorangwa mangwanani ose.