1 Haiwa Mwari, makatirambireiko nokusingaperi? Kutsamwa kwenyu kwapfungairireiko pamusoro pamakwai anofudzwa nemi?
2 Rangarirai vanhu vamakatenga kare, rudzi rwenhaka yenyu, ivo vamakadzikinura, Gomo reZioni, pamaigara.
3 Dzorai nhambwe dzenyu mutarise matongo asingaperi, kuparadza ikoku kwose kwakauya nomuvengi pamusoro penzvimbo yenyu tsvene.
4 Vavengi venyu vakaomba panzvimbo yamakasangana nesu; vakamisa mireza yavo sechiratidzo.
5 Vakaita savanhu vanosimudza matemo kuti vateme dondo remiti.
6 Vakaputsa zvose zvakavezwa namatemo avo nembezo.
7 Vakapisira pasi nzvimbo yenyu tsvene; vakamhura ugaro hweZita renyu.