12 Asi imi, iyemi Mwari, ndimi mambo wangu kubva nakare; imi munouyisa ruponeso panyika.
13 Ndimi makaganhura gungwa napakati nesimba renyu; makaputsa misoro yechikara chomumvura.
14 Ndimi makapwanya misoro yaRevhiatani, mukamuita chokudya chezvisikwa zvomugwenga.
15 Ndimi makazarura zvitubu nehova; mukapwisa nzizi dzaigara dzichierera.
16 Zuva nderenyu, uye usiku ndohwenyuwo; makasimbisa zuva nomwedzi.
17 Ndimi makatara miganhu yose yenyika; mukaita zvose zhizha nechando.
18 Rangarirai kuti muvengi akakushorai sei, imi Jehovha, uye kuti mapenzi akamhura sei zita renyu.