14 Ndimi makapwanya misoro yaRevhiatani, mukamuita chokudya chezvisikwa zvomugwenga.
15 Ndimi makazarura zvitubu nehova; mukapwisa nzizi dzaigara dzichierera.
16 Zuva nderenyu, uye usiku ndohwenyuwo; makasimbisa zuva nomwedzi.
17 Ndimi makatara miganhu yose yenyika; mukaita zvose zhizha nechando.
18 Rangarirai kuti muvengi akakushorai sei, imi Jehovha, uye kuti mapenzi akamhura sei zita renyu.
19 Regai kuisa upenyu hwenjiva yenyu kumhuka dzesango; regai kukanganwa nokusingaperi upenyu hwavanhu venyu vanonetswa.
20 Ivai nehanya nesungano yenyu, nokuti mweya wokurwisana wazadza nzvimbo dzerima munyika.