4 Makakonesa meso angu kutsinzina; ndakatambudzika zvokuti ndakatadza kutaura.
5 Ndakarangarira mazuva ekare, makore ekare kare;
6 ndakarangarira nziyo dzangu panguva yousiku. Mwoyo wangu wakafungisisa uye mweya wangu wakabvunza ukati,
7 “Ko, Ishe acharamba nokusingaperi here? haachazombonzwiri ngonizve here?
8 Ko, rudo rwake rusingaperi rwakabva nokusingaperi here? chipikirwa chake chakakona nokusingaperi here? Sera
9 Ko, Mwari akanganwa kuva nenyasha here? mukutsamwa kwake haachaitira tsiye dzake nyoro here?”
10 Ipapo ndakafunga ndikati, “Ndichakumbira hangu pana izvozvi: makore oruoko rworudyi rwoWokumusorosoro.”